Managing for the Master Till He Comes
Ndira | February | Kurume 2023
Chidzidzo 8
Kukadzi 18–Kukadzi 24
Kuronga Kubudirira
Kuronga kubudirira.
Kana uchida kubudirira muhupenyu huno uye gadzirira zvinotevera, tevera zano iri: usangomira wakangotarisa usina zvauri kuita(Zvirevo 6:9-11; 13:4; 20:4).
Nguva dzekutandara nekuzorora dzinodiwa, asi Mwari akatiita kuti tive nekushingaira (Genesisi 2:15). Akanga asingadi kuti tiremerwe nebasa, asi kuti tishande tichifara.
Vakuru nevakuru vechidiki vanofanira kushanda pane chimwe chinhu (vachibhadharwa kana kuti vasingabhadharwi). Vana nevachiri kuyaruka vanofanira kuvandudza hunyanzvi hwavo hwemuviri nepfungwa kuburikidza nekudzidza.
Kunyange vakwegura vanokomborerwa pavanenge vachishingaira, maererano nezvavanogona.
Wanano yakabudirira.
“Raŋgarira ʋo Musiki wako pamazuʋa oʋujaya bgako” (Muparidzi 12:1).
Musiki wedu anofanira kupindira sei pakusarudza wokuroorana naye?
Kutanga, tevedzera Iye nokuitira hanya zvikuru mukati kupfuura kunze (1 Samueri 16:7; Zvirevo 31:30). Uyewo iva nechokwadi chokuti unogona kugoverana upenyu hwako hwose—kusanganisira upenyu hwako hwopamweya—nomumwe wako ( Ekisodho 34:15-16; Deutronomio 7:3-4; 2 VaKorinte 6:14).
Mhuri dzakabudirira.
Mumamiriro ezvinhu akanaka, murume ndiye anotarisirwa zvikuru mumhuri kuti aunze mari. Nenzira iyi mudzimai anogona kudzidzisa vana vavo kuti vave vanhu vanozvimirira pakupedzisira uye vakagadzirira kugamuchira upenyu husingaperi.
Mararamiro emazuva ano kana mamwe mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana angaita kuti kugoverana mabasa iwayo kana kuti kuchinjana kuve chinhu chinodiwa.
Zvichienderana neBhaibheri, mhuri imwe neimwe yechiKristu inofanira kutarisira vana vayo uye…
Yovapa nharaunda izere huKristu mumusha.
Yovadzidzisa kuva nemufungo wakanaka pamusoro pebasa.
Yowona kuti vawana dzidzo yakanaka.
Kushanda zvine budiriro.
Pauro akatirayira kuti tishande mabasa edu nemazvo nguva dzose, “musiŋgaɓati kana muciʋonekwa ɓedzi” (VaEfe. 6:6). Tinodanwa kuti tishande nekuvimbika uye kuti tifadze Mwari nguva dzose, pachinzvimbo chekufadza vatariri vedu kana vatengi pamberi paMwari (VaKorose 3:23).
Vashandirwi vakawanda vachakomborerwa nevashandi vakarurama, saRabhani akakomborerwa nebasa raJakobho rokutendeka (Genesisi 30:27).
Nyaya yaJosefa mumwe muenzaniso. Akatanga ari muranda wenhanho yakaderera asi akazova maneja weimba yatenzi wake pakupedzisira. Potifari akaonga kuvimbika kwaJosefa uye zvikomborero zvaMwari kubudikidza naye (Genesisi 39:1-5).
Mazano ekuti ubudirire.
Zano guru remuBhaibheri pamusoro pekubudirira nderokudzivisa zvakaipa uye kuita kuti mutemo waMwari uve mufaro wedu ( Mapis. 1:1-2 ). Mamwe mazano ari muBhaibheri ndeaya:
Zvirevo 3:5. Usazendama panjere dzako asi tsvaga zano raMwari.
Zvirevo 27:23-24. Nyora pasi mawaniro nemashandisiro auri kuita mari yako.
Zvirevo 15:16. Rarama maererano nezvaunazvo, shandisa mari shoma pane yaunowana.
Zvirevo 6:6-8. Chengetedza, sungirira imwe yemari yaunowana.
Zvirevo 22:7. Dzivisa chikwereti semunhu anodzivisa COVID-19.
Zvirevo 13:4. Iva mushandi anoshingaira.
Maraki 3:10. Iva wakatendeka nekudzorera chegumi chako nezvipo zvako kuna Mwari.
Mateo 25:14-21. Ramba uchifunga nezvehupenyu husingaperi paunenge uchirarama hupenyu huno.