Managing for the Master Till He Comes

Ndira | February | Kurume 2023

Chidzidzo 8

Kukadzi 18–Kukadzi 24

Kuronga Kubudirira

  1. Kuronga kubudirira.

    • Kana uchida kubudirira muhupenyu huno uye gadzirira zvinotevera, tevera zano iri: usangomira wakangotarisa usina zvauri kuita(Zvirevo 6:9-11; 13:4; 20:4).

    • Nguva dzekutandara nekuzorora dzinodiwa, asi Mwari akatiita kuti tive nekushingaira (Genesisi 2:15). Akanga asingadi kuti tiremerwe nebasa, asi kuti tishande tichifara.

    • Vakuru nevakuru vechidiki vanofanira kushanda pane chimwe chinhu (vachibhadharwa kana kuti vasingabhadharwi). Vana nevachiri kuyaruka vanofanira kuvandudza hunyanzvi hwavo hwemuviri nepfungwa kuburikidza nekudzidza.

    • Kunyange vakwegura vanokomborerwa pavanenge vachishingaira, maererano nezvavanogona.

  2. Wanano yakabudirira.

    • “Raŋgarira ʋo Musiki wako pamazuʋa oʋujaya bgako” (Muparidzi 12:1).

    • Musiki wedu anofanira kupindira sei pakusarudza wokuroorana naye?

    • Kutanga, tevedzera Iye nokuitira hanya zvikuru mukati kupfuura kunze (1 Samueri 16:7; Zvirevo 31:30). Uyewo iva nechokwadi chokuti unogona kugoverana upenyu hwako hwose—kusanganisira upenyu hwako hwopamweya—nomumwe wako ( Ekisodho 34:15-16; Deutronomio 7:3-4; 2 VaKorinte 6:14).

  3. Mhuri dzakabudirira.

    • Mumamiriro ezvinhu akanaka, murume ndiye anotarisirwa zvikuru mumhuri kuti aunze mari. Nenzira iyi mudzimai anogona kudzidzisa vana vavo kuti vave vanhu vanozvimirira pakupedzisira uye vakagadzirira kugamuchira upenyu husingaperi.

    • Mararamiro emazuva ano kana mamwe mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana angaita kuti kugoverana mabasa iwayo kana kuti kuchinjana kuve chinhu chinodiwa.

    • Zvichienderana neBhaibheri, mhuri imwe neimwe yechiKristu inofanira kutarisira vana vayo uye…

      • Yovapa nharaunda izere huKristu mumusha.

      • Yovadzidzisa kuva nemufungo wakanaka pamusoro pebasa.

      • Yowona kuti vawana dzidzo yakanaka.

  4. Kushanda zvine budiriro.

    • Pauro akatirayira kuti tishande mabasa edu nemazvo nguva dzose, “musiŋgaɓati kana muciʋonekwa ɓedzi” (VaEfe. 6:6). Tinodanwa kuti tishande nekuvimbika uye kuti tifadze Mwari nguva dzose, pachinzvimbo chekufadza vatariri vedu kana vatengi pamberi paMwari (VaKorose 3:23).

    • Vashandirwi vakawanda vachakomborerwa nevashandi vakarurama, saRabhani akakomborerwa nebasa raJakobho rokutendeka (Genesisi 30:27).

    • Nyaya yaJosefa mumwe muenzaniso. Akatanga ari muranda wenhanho yakaderera asi akazova maneja weimba yatenzi wake pakupedzisira. Potifari akaonga kuvimbika kwaJosefa uye zvikomborero zvaMwari kubudikidza naye (Genesisi 39:1-5).

  5. Mazano ekuti ubudirire.

    • Zano guru remuBhaibheri pamusoro pekubudirira nderokudzivisa zvakaipa uye kuita kuti mutemo waMwari uve mufaro wedu ( Mapis. 1:1-2 ). Mamwe mazano ari muBhaibheri ndeaya:

      • Zvirevo 3:5. Usazendama panjere dzako asi tsvaga zano raMwari.

      • Zvirevo 27:23-24. Nyora pasi mawaniro nemashandisiro auri kuita mari yako.

      • Zvirevo 15:16. Rarama maererano nezvaunazvo, shandisa mari shoma pane yaunowana.

      • Zvirevo 6:6-8. Chengetedza, sungirira imwe yemari yaunowana.

      • Zvirevo 22:7. Dzivisa chikwereti semunhu anodzivisa COVID-19.

      • Zvirevo 13:4. Iva mushandi anoshingaira.

      • Maraki 3:10. Iva wakatendeka nekudzorera chegumi chako nezvipo zvako kuna Mwari.

      • Mateo 25:14-21. Ramba uchifunga nezvehupenyu husingaperi paunenge uchirarama hupenyu huno.

Resource Credit: fustero.es

Zvaturikirwa na: Gift Mawoyo