Managing for the Master Till He Comes

Ndira | February | Kurume 2023

Chidzidzo 7

Kukadzi 11–Kukadzi 17

Kune Mumwe Wavaduku Ava

  1. Mwari ane hanya neavo vanoshaiwa:

    • Hushumiri hwaJesu.

      • Jesu akaverenga Isaya 61:1-2 paSinagogi muNazareta. Ndima iyi itsanangudzo yehushumiri hwaMesiya.

      • Jesu aibata vaya vaishayiwa zvakasiyana chaizvo nemabatirwo avaiwanzoitwa panguva iyoyo.

      • Vanhu vaifunga kuti vakanga vachitamburira zvivi zvavo, saka vaibatwa sokunge vakanga vatukwa naMwari. Jesu aivada uye akavaona senhengo dzinobvira dzeHumambo hweKudenga.

      • Akaedza kuzadzisa pavaishayiwa uye kugoverana tariro yeEvhangeri navo.

    • Mitemo pamusoro pevanotambura.

      • Urombo hahuzombobviswi (Dt. 15:11; Marko 14:7). Naizvozvo, Mwari akapa vaIsiraeri mitemo yokudzivirira avo vaishayiwa:

        1. Ekisodho 23:10-11: Minda yaisadyarwa gore rechinomwe roga roga, uye varombo vaigona kudya zvibereko zvayo

        2. Revitiko 19:14: Kwairambidzwa kutuka matsi kana kupinganidza chirema

        3. Revitiko 23:22: Chikamu chegoho chaifanira kusiirwa kune vaya vaishayiwa

      • Rudo rwaMwari kune avo vanoshaya ikurudziro kwatiri. Tingaatadza sei kuda uye kutarisira avo vanoshaya?

  2. Mienzaniso yemuBhaibheri:

    • Kuitira hanya varombo.

      • Pane zvakafanana pakati penyaya yejaya mupfumi ( Mateo 19:16-22; Marko 10:17-22; Ruka 18:18-23 ) neyaZakeyo ( Ruka 19:1-10 ). Mabatiro avaiita varombo airatidza mwoyo yavo uye ukama hwavo naJesu.

MISIYANO

JAYA MUPFUMI

ZAKEYO

Jesu akamukumbira kuti ape kuvarombo

Akazvipira kupa varombo

Aifanira kupa zvinhu zvose

Aifanira kupa hafu yepfuma yake

Akaramba Jesu

Akatambira Jesu

Jesu akasuwa nemhaka yokukara kwake mari

Jesu akafara nokuti akanga agamuchira ruponeso



    • Kuitira hanya vanoshaiwa.

      • Ngenyi Jobho aiva “akakwana”? Jobho 29:12-16.

        1. Nokuti ndairwira ʋarombo ʋaicema (12a)

        2. Nenherera ʋo, nowaishaiwa muɓatsiri (12b)

        3. Munhu akanga ofa akandiropafadza (13a)

        4. Ndaiimbisa mŋoyo wecirikadzi nomufaro (13b)

        5. Ini ndaifuka kururama, kwaiʋa seŋguʋo (14)

        6. Ndaiʋa meso amapofu (15a)

        7. Netsoka dzaʋanokamhina (15b)

        8. Ndaiʋa ɓaɓa ʋaʋaishaiwa (16a)

        9. Ndainɀera mhaka yowandakaŋga ndisiŋgaziʋi (16b)

      • Ngatidzidzei kuna Jobho. Akanga achishingaira nokuziva zvaidiwa nezvakamupoteredza uye oita zvakafanira.

Resource Credit: fustero.es

Zvaturikirwa na: Gift Mawoyo