Managing for the Master Till He Comes
Ndira | February | Kurume 2023
Chidzidzo 7
Kukadzi 11–Kukadzi 17
Kune Mumwe Wavaduku Ava
Mwari ane hanya neavo vanoshaiwa:
Hushumiri hwaJesu.
Jesu akaverenga Isaya 61:1-2 paSinagogi muNazareta. Ndima iyi itsanangudzo yehushumiri hwaMesiya.
Jesu aibata vaya vaishayiwa zvakasiyana chaizvo nemabatirwo avaiwanzoitwa panguva iyoyo.
Vanhu vaifunga kuti vakanga vachitamburira zvivi zvavo, saka vaibatwa sokunge vakanga vatukwa naMwari. Jesu aivada uye akavaona senhengo dzinobvira dzeHumambo hweKudenga.
Akaedza kuzadzisa pavaishayiwa uye kugoverana tariro yeEvhangeri navo.
Mitemo pamusoro pevanotambura.
Urombo hahuzombobviswi (Dt. 15:11; Marko 14:7). Naizvozvo, Mwari akapa vaIsiraeri mitemo yokudzivirira avo vaishayiwa:
Ekisodho 23:10-11: Minda yaisadyarwa gore rechinomwe roga roga, uye varombo vaigona kudya zvibereko zvayo
Revitiko 19:14: Kwairambidzwa kutuka matsi kana kupinganidza chirema
Revitiko 23:22: Chikamu chegoho chaifanira kusiirwa kune vaya vaishayiwa
Rudo rwaMwari kune avo vanoshaya ikurudziro kwatiri. Tingaatadza sei kuda uye kutarisira avo vanoshaya?
Mienzaniso yemuBhaibheri:
Kuitira hanya varombo.
Pane zvakafanana pakati penyaya yejaya mupfumi ( Mateo 19:16-22; Marko 10:17-22; Ruka 18:18-23 ) neyaZakeyo ( Ruka 19:1-10 ). Mabatiro avaiita varombo airatidza mwoyo yavo uye ukama hwavo naJesu.
MISIYANO | |
JAYA MUPFUMI | ZAKEYO |
Jesu akamukumbira kuti ape kuvarombo | Akazvipira kupa varombo |
Aifanira kupa zvinhu zvose | Aifanira kupa hafu yepfuma yake |
Akaramba Jesu | Akatambira Jesu |
Jesu akasuwa nemhaka yokukara kwake mari | Jesu akafara nokuti akanga agamuchira ruponeso |
Kuitira hanya vanoshaiwa.
Ngenyi Jobho aiva “akakwana”? Jobho 29:12-16.
Nokuti ndairwira ʋarombo ʋaicema (12a)
Nenherera ʋo, nowaishaiwa muɓatsiri (12b)
Munhu akanga ofa akandiropafadza (13a)
Ndaiimbisa mŋoyo wecirikadzi nomufaro (13b)
Ini ndaifuka kururama, kwaiʋa seŋguʋo (14)
Ndaiʋa meso amapofu (15a)
Netsoka dzaʋanokamhina (15b)
Ndaiʋa ɓaɓa ʋaʋaishaiwa (16a)
Ndainɀera mhaka yowandakaŋga ndisiŋgaziʋi (16b)
Ngatidzidzei kuna Jobho. Akanga achishingaira nokuziva zvaidiwa nezvakamupoteredza uye oita zvakafanira.