Managing for the Master Till He Comes

Ndira | February | Kurume 2023

Chidzidzo 6

Kukadzi 4–Kukadzi 10

Kuzvivunganidzira Fuma Kudenga

  1. Kuzvivunganidzira fuma kudenga:

    • Noa, Kutenda zvisingabviri.

      • Mwari akasarudza kuparadza vanhu pamusana pouipi hwavo ( Genesisi 6:5-8 ),Akarayira Noa kuti avake areka ( Genesisi 6:13-19 ). Mafungiro aNoa airatidza paive nepfuma yake:

        1. Kutenda zvisingabviri: Kwaisanaya mvura panguva iyoyo (Genesisi 2:6). Nyanzvi dzaiti hazviite kuti mvura iburuke kubva kudenga.

        2. Kuteerera Mwari: Noa akashandisa upenyu hwake nepfuma yake kuvaka areka uye kuteterera vagari vakamutenderedza kuti vasiye chivi.

    • Abhurahama, Kuteerera nokutenda.

      • Chiito chaAbhurahama chokutanga chokutenda chaiva chokusiya zvose zvaaiva nazvo (“pfuma yake panyika”) kuti agamuchire zvakanga zvavimbiswa naMwari (“pfuma kudenga”).

      • Akanga avimbiswa nyika, asi akangowana chikamu chiduku chenyika muMakpera (Genesisi 23:17-20). Zvisinei, haana kumborega kuteerera Mwari, achimirira nhaka iri nani zvikuru kubva kwaAri(VaHebhuru 11:8-10).

      • Pfuma hurusa yaiva naAbhurahamu pasi pano yaiva chimiro chakafanana nechaJesu. Ndosaka vepanguva yake vaimuona se“mucinda waMŋari” (Genesisi 23:6).

    • Mozisi, Kuramba nyika ino.

      • Mozisi akarambirei? Chii chaakawana mukutsinhana? (VaHebhuru 11:24-25).

      • Mozisi aive mwanakomana waHatshepsut uye mugari wenhaka yaThutmose II. Aigona kuve akaita Farao weIjipita aizotevera.

      • Ijipita ndihwo hwaiva humambo hwainyanya kukosha panyika panguva iyoyo. Mozisi akaramba chinzvimbo chakakwirira kupfuura chero ani zvake kare ikako.

      • Akaramba mbiri yose yenyika nemafaro uye akasarudza kuzadzisa kudanwa kwaMwari kuti asunungure Isiraeri kubva muuranda.

      • Akatora zvitsidzo zvaMwari “sefuma huru kukufuma kwose kweEgipita; nokuti wakatarira muɓairo.” (VaHebhuru 11:26)

  2. Kukundikana nokuenderera mberi

    • Roti, Kusiya nyika ino kushure.

      • Abhurahamu paakaudza Roti kuti vatore nzira dzakasiyana, Roti aida “pfuma panyika” uye akachiva bani reRwizi rwaJodhani. Akadhonzwa zvishoma nezvishoma nekushevedzera kweguta (Genesisi 13:8-13).

      • Kunyange zvazvo asina kumbosiya Mwari (Petro akamudana kuti “Roti, wakaŋga vakarurama” pana 2 Petro 2:7 ), upenyu hwake nehwemhuri yake hwepamweya hwakakanganiswa zvikuru noupenyu hweSodhoma.

      • Pashure pokunge Abhurahama areverera, Mwari akanunura Roti, mudzimai wake, navanasikana vake mukuparadzwa kweSodhoma. Mwari akamuudza kuti aifanira kusiya nyika ino atizire kumakomo (Genesisi 18:22-33; 19:15-17).

      • Roti akakahadzika asi pakupedzisira akasiya nyika ino uye akasarudza kurarama maererano nekurayira kwaMwari (Genesisi 19:30).

    • Jakobho, Kutendeuka nokuenderera mberi.

      • Jakobho akashuva chikomborero upenyu hwake hwose. Pfungwa dzake dzakanga dziri pa“pfuma iri kudenga.” Zvisinei, akaedza kuitora pachake (Genesisi 27:33-35).

      • Mushure memakore 20 ebasa namanomano, Jakobho akanga achiri kuzvidemba nokuda kwechiito chake choupenzi. Paakasangana naMwari, akamurwisa kuti aregererwe uye agamuchire chikomborero (Genesisi 32:22-30).

      • Hupenyu hwake hwakanga hwakasiyana mushure mechiitiko ichocho. Akanga asisazvivimbi. Kufanana naAbhurahama naIsaka, pfuma yake bedzi yapasi rakanga riri bako reMakpera ( Genesisis 49:29-31 ). Vainzwisisa kuti vaive vatorwa nevafambi panyika ino(VaHebhuru 11:13).

Resource Credit: fustero.es

Zvaturikirwa na: Gift Mawoyo