Managing for the Master Till He Comes

Ndira | February | Kurume 2023

Chidzidzo 4

Ndira 21–Ndira 27

Mipiro Yajesu

  1. Mibvunzo pamusoro pemipiro:

    • Ngenyi tichifanirwa kupa mipiro?

      • Kupa mupiro kuna Mwari chiito chokuzvidira, kwete chinhu chinosungirwa ( Mapisarema 54:6 ). Zvisinei, kusapa mupiro kunoonekwa sekuba naMwari(Maraki 3:8).

      • Chii chinofanira kutikurudzira kana tichipa mipiro yedu?

        1. Chii chinofanira kutikurudzira kana tichipa mipiro yedu.

        2. Kuratidza kuzviisa kwedu pasi kuzere kuna Mwari.

        3. Kuratidza kuti tinovimba Naye.

        4. Kuratidza rudo rwedu kuna Mwari uye muvakidzani wedu.

        5. Kuramba kuda mari.

    • Tinofanirwa kupa zvakawanda sei?

      • Kupa mupiro chiito chekutenda makomborero atakagamuchira. Naizvozvo, zvine musoro kuti mupiro uenderane nemakomborero.

      • Izvi zvinoreva here kuti tinoripira Jehovha makomborero Ake nemipiro yedu (Mapisarema 116:12-14)?

      • Dhavhidha akanga akajeka zvikuru. Hatigoni kuripa Mwari pazvinhu zvaanotiitira. Tinogona chete kupindura kumaropafadzo Ake nekutenda. Tinoratidza kuti tinoonga sei nokuva norupo kuchinangwa chaMwari nevavakidzani vedu.

      • Kana tine rupo, tinobvisawo udyire mumwoyo yedu. Kupa zvipiriso kuna Jehovha ibasa rechiKristu rine migumisiro yemweya netsika. Ipi?

  2. Kuseri kwemigumisiro pane zvemari nepfuma:

    • Chiito chekunamata.

      • Munguva dzeTestamente Yekare, hapana munhu aigona kunamata Mwari “asinecinhu” (Deuteronomio 16:16); ndiko kuti, pasina mupiro.

      • Kupa zvipo zvedu chikamu chezvirongwa zvedu zvekunamata takabatana, semumhanzi, kuparidza, kana kudzidza Bhaibheri.

      • Tinogona kushandisa mari kana nemari iri mufoni,kana kushandisa indaneti nezvime kupa zvipo zvedu. Hazvinei kuti tinozviita sei, tiri kunamata Iye akatipa zvinhu zvose.

    • Maonero anoita Mwari mipiro.

      • Jesu akanga achiona kuti “vapfumi vazhinji vaikanda zvizhinji” sei mubhokisi rokupira. Bva, imwe chirikadzi murombo yakapa tumari tuviri tuduku twesimbi(chinenge chikamu chimwe muzvikamu 64 chomuhoro wezuva nezuva). Nei Jesu akati akanga apa kupfuura vamwe vose(Marko 12:41-44)?

      • Mwari anokoshesa vavariro yemupi. Chirikadzi yakashuva kushandira pamwe mubasa raMwari uye yakamupa zvose zvaaiva nazvo.

      • Mwari anoonawo zvatinoita avo vanoshaya, semunyaya yaKoneriyasi (Mabasa 10:1-4). Mwari akaona zvibayiro zvaKoneriyasi sokuratidza kuda kwaaiita Mwari nevavakidzani vake.

  3. Mipiro yakakosha.

    • Nyaya yaMaria Magadharini:

      • Mupiro waMariya waikosha munzira mbiri ( Marko 14:3-5 ): aisapa mari, uye mutengo wacho wakanga wakakura (waienderana nemari yemuhoro wemwedzi 10).

      • Mwari anogamuchira zvimwe zvinhu kunze kwemari semupiro. Tinogona kupa zvinhu zvinodikanwa kune chimwe chinangwa, simba redu uye nguva…

    • Nyaya yaJosefa Bhanabhasi:

      • Bhanabhasi akapa mupiro chinokosha. Akatengesa munda akapa mari yacho yose. Akava muenzaniso werupo kune vamwe (Mabasa 4:34-37).

      • Kune nzvimbo zhinji dzemakereke pasi rose dzakapihwa nevanhu vaive neshungu dzebasa raMwari zvekuti vakapa zvinhu zvavo.

Resource Credit: fustero.es

Zvaturikirwa na: Gift Mawoyo