Managing for the Master Till He Comes
Ndira | February | Kurume 2023
Chidzidzo 2
Ndira 7–Ndira 13
Sungano Dzamwari Nesu
Sungano yeruponeso.
Ruponeso haisi sungano yedivi rimwe chete kubva kudivi raMwari. Nokudaro, haasi munhu wose achaponeswa pasinei nezvaanoita kana kutenda. Isungano yepakati paMwari nevanhu: Tenda [chikamu chedu] … uchaponeswa [chikamu chaMwari]” (Mabasa 16:31).
Isungano iri nyore. Hapana zvikamu zvakaoma mairi. Vavariro yayo huru ndeyokutipa upenyu husingaperi (1Johani 5:13). Nekudaro, iyi haisi sungano yakasainwa kamwe uye ndokukanganwikwa
(Mateo 24:13).Apo Pauro anga ave pedyo nekufa, aiva nechokwadi chokuti “aceŋgeta kutenda,” uye kuti aizogamuchira“korona yokururama” na “vose vanoshuva kuonekwa kwake” (2 Timotio 4:6-8).
Sungano yeropafadzo.
Sungano yakaitwa naMwari neIsiraeri (uye nesu) inosanganisira maropafadzo akawanda (Deuteronomio 28:1-13): Ngariropafadzwe guta raunogara (3); Ngavaropafadzwe vana vako (4); Ngairopafadzwe mari yaunowana (4); Ngazviropafadzwe zvishandiso zvako pabasa rako (5); Imba yako kana kwaunoshanya ngazviropafadzwe (6); Ucharopafadzwa pakati pavavengi vako (7); Ngazviropafadzwe zvaunobata namaoko (8).
Pane zvinodikanwa kuti ugamuchire maropafadzo aya: Teerera kuna Mwari uye uteerere mitemo Yake (1); Rarama sekuda kwaMwari (9); Ita Mwari ave oga Ishe wehupenyu hwako (14).
Sungano yezvibereko zvokutanga.
Sungano yezvitsva(firstfruits) inoshanda sezvinoteera:
Rupande rweduKupa Mwari zvekutanga nezvakanakisisa.
Rupande rwaMwari: Kukomborera zvimwe zvese.
Sungano iyi inosanganisira chibereko chebasa redu, rudo rwedu, nguva yedu…
Zvinogona kuita sezvisina musoro, nekuti kana tikapa chekutanga nechakanakisa, tinobva tasara nezvishoma uye zvakashata… Zvisineyi, izvi zvakasiyana naMwari. Sei?
Kunze kwechikomborero chinobva kuna Mwari, Bhaibheri rakazarawo nemazano ekushandisa zvakanaka mari yedu, rudo rwedu, nguva yedu…
Sungano yechegumi.
Maraki akanyora mashoko iwayo panguva apo vanhu vaIsiraeri vakanga vakanganwa chikamu chavo pasungano yaMwari. Naizvozvo akati: “Dzokerai kwandiri, neni ndicadzokera kwamuri”
(Maraki 3:7).Ndokubva aunza pfungwa yesungano, sungano yepanyama ine migumisiro pamweya. Sungano iyi inoshandawo kwatiri nhasi: Ndiunzire chegumi uye ndichakuropafadza (Maraki 3:10).
Vanhu veIsiraeri vakaratidza kuti sungano iyi inoshanda. Munguva yamambo Hezekiya, “ʋuye cegumi ceɀinhu ɀose ʋakaʋuya naɀo ɀiri ɀizhinji” (2Makoronike 31:5). Ipapo vaigona kutaura kuti “nokuti Jehova wakaropafadza ʋanhu ʋake.” (2Makoronike 31:10)
Dzimwe sungano.
Jesu Akawedzera sungano yezvibereko zvokutanga: Kana tikaisa Mwari panzvimbo yokutanga, Achatipa zvokudya nezvokupfeka, uye Achagutsa zvatinoda (Mateo 6:25-34).
MuBhaibheri mune dzimwe sungano:
SUNGANO | RUPANDE RWEDU | RUPANDE RWAMWARI |
Sungano terugare (Is. 26:3) | Vimba naMwari uye ufunge neZvake | Kutipa rugare rwakakwana |
Sungano yeruregerero (1Jn. 1:9) | Kurevurura zvivi zvedu | Kuregerera zvitadzo zvedu uye kutichenesa kubva kune zvakaipa |
Sungano yekuporesa | Zvininipise, unamate; tsvaka Mwari, tendeuka | Kupodza nyika yedu |
Mwari anogara achipa nzira mbiri: kuteerera uye kugamuchira maropafadzo kana kusateerera uye kurasikirwa nemaropafadzo. “naiɀoɀo tsaura ʋupenyu[kuteerera], kuti urarame, iwe naʋana ʋako [kutambira maropafadzo].” (Deuteronomio 30:19)