Managing for the Master Till He Comes

Ndira | February | Kurume 2023

Chidzidzo 2

Ndira 7–Ndira 13

Sungano Dzamwari Nesu

  1. Sungano yeruponeso.

    • Ruponeso haisi sungano yedivi rimwe chete kubva kudivi raMwari. Nokudaro, haasi munhu wose achaponeswa pasinei nezvaanoita kana kutenda. Isungano yepakati paMwari nevanhu: Tenda [chikamu chedu] … uchaponeswa [chikamu chaMwari]” (Mabasa 16:31).

    • Isungano iri nyore. Hapana zvikamu zvakaoma mairi. Vavariro yayo huru ndeyokutipa upenyu husingaperi (1Johani 5:13). Nekudaro, iyi haisi sungano yakasainwa kamwe uye ndokukanganwikwa
      (Mateo 24:13).

    • Apo Pauro anga ave pedyo nekufa, aiva nechokwadi chokuti “aceŋgeta kutenda,” uye kuti aizogamuchira“korona yokururama” na “vose vanoshuva kuonekwa kwake” (2 Timotio 4:6-8).

  2. Sungano yeropafadzo.

    • Sungano yakaitwa naMwari neIsiraeri (uye nesu) inosanganisira maropafadzo akawanda (Deuteronomio 28:1-13): Ngariropafadzwe guta raunogara (3); Ngavaropafadzwe vana vako (4); Ngairopafadzwe mari yaunowana (4); Ngazviropafadzwe zvishandiso zvako pabasa rako (5); Imba yako kana kwaunoshanya ngazviropafadzwe (6); Ucharopafadzwa pakati pavavengi vako (7); Ngazviropafadzwe zvaunobata namaoko (8).

    • Pane zvinodikanwa kuti ugamuchire maropafadzo aya: Teerera kuna Mwari uye uteerere mitemo Yake (1); Rarama sekuda kwaMwari (9); Ita Mwari ave oga Ishe wehupenyu hwako (14).

  3. Sungano yezvibereko zvokutanga.

    • Sungano yezvitsva(firstfruits) inoshanda sezvinoteera:

      • Rupande rweduKupa Mwari zvekutanga nezvakanakisisa.

      • Rupande rwaMwari: Kukomborera zvimwe zvese.

    • Sungano iyi inosanganisira chibereko chebasa redu, rudo rwedu, nguva yedu…

    • Zvinogona kuita sezvisina musoro, nekuti kana tikapa chekutanga nechakanakisa, tinobva tasara nezvishoma uye zvakashata… Zvisineyi, izvi zvakasiyana naMwari. Sei?

    • Kunze kwechikomborero chinobva kuna Mwari, Bhaibheri rakazarawo nemazano ekushandisa zvakanaka mari yedu, rudo rwedu, nguva yedu…

  4. Sungano yechegumi.

    • Maraki akanyora mashoko iwayo panguva apo vanhu vaIsiraeri vakanga vakanganwa chikamu chavo pasungano yaMwari. Naizvozvo akati: “Dzokerai kwandiri, neni ndicadzokera kwamuri”
      (Maraki 3:7).

    • Ndokubva aunza pfungwa yesungano, sungano yepanyama ine migumisiro pamweya. Sungano iyi inoshandawo kwatiri nhasi: Ndiunzire chegumi uye ndichakuropafadza (Maraki 3:10).

    • Vanhu veIsiraeri vakaratidza kuti sungano iyi inoshanda. Munguva yamambo Hezekiya, “ʋuye cegumi ceɀinhu ɀose ʋakaʋuya naɀo ɀiri ɀizhinji” (2Makoronike 31:5). Ipapo vaigona kutaura kuti “nokuti Jehova wakaropafadza ʋanhu ʋake.” (2Makoronike 31:10)

  5. Dzimwe sungano.

    • Jesu Akawedzera sungano yezvibereko zvokutanga: Kana tikaisa Mwari panzvimbo yokutanga, Achatipa zvokudya nezvokupfeka, uye Achagutsa zvatinoda (Mateo 6:25-34).

    • MuBhaibheri mune dzimwe sungano:

SUNGANO

RUPANDE RWEDU

RUPANDE RWAMWARI

Sungano terugare (Is. 26:3)

Vimba naMwari uye ufunge neZvake

Kutipa rugare rwakakwana

Sungano yeruregerero

(1Jn. 1:9)

Kurevurura zvivi zvedu

Kuregerera zvitadzo zvedu uye kutichenesa kubva kune zvakaipa

Sungano yekuporesa
(2 Mako. 7:14)

Zvininipise, unamate;

tsvaka Mwari, tendeuka

Kupodza nyika yedu



    • Mwari anogara achipa nzira mbiri: kuteerera uye kugamuchira maropafadzo kana kusateerera uye kurasikirwa nemaropafadzo. “naiɀoɀo tsaura ʋupenyu[kuteerera], kuti urarame, iwe naʋana ʋako [kutambira maropafadzo].” (Deuteronomio 30:19)

Resource Credit: fustero.es

Zvaturikirwa na: Gift Mawoyo