Managing for the Master Till He Comes

Ndira | February | Kurume 2023

Chidzidzo 12

Kurume 18–Kurume 24

Mubairo Wekutendeka

  1. Mibairo:

    • Mubairo Wake.

      • Ndivanaani vachagamuchira mubairo wavo kubva kuna Jesu paanodzoka?

        1. Vakarurama (Mapisarema 58:11)

        2. Avo vanokusha kururama (Zvirevo 11:18)

        3. Avo vanotambudzwa nekuda kwekuda kwekutenda kwavo (Mateo 5:12)

        4. Avo vanoda vavengi vavo (Ruka 6:35)

        5. Avo vasingatyi (VaHebhuru 10:35)

        6. Avo vanomutsvaka (VaHebhuru 11:6)

        7. Vaporofita, ʋatȿene, vanotya zita Rake (Zvakazarurwa 11:18)

      • Mubayiro uchaenzana nebasa romunhu mumwe nomumwe ( 1VaKo 3:8 ). Zvinoreva here kuti tinoponeswa nemabasa edu? Kwete!

      • Ruponeso chipo icho munhu wose anogona kugamuchira zvisinei nebasa rake (Tito 3:5). Mumwe nomumwe akaponeswa achagamuchira “korona” yake, mubairo wakafanira (2 Timotio 4:8).

    • Hupenyu husingaperi.

      • Chii chatinofanirwa nacho chaizvoizvo? “Mubayiro” wedu chii? Rufu chete. Mwari anotipa chii se“chipo”? Hupenyu husingaperi(VaRoma 6:23).

      • Uyu mubairo watisingakodzeri, mugumo wakasiyana chose newatinofanira. Munhu wose anogona kuwana mubairo uyu kana akaugamuchira nokutenda (Johani 3:16).

    • Kuva naJesu.

      • Avo vakatitangira kutenda vakanga vachitarisira kuti Mwari achavapa guta(VaHebhuru 11:10, 16; Zvakazarurwa 21:24). Tichawanei ikoko?

        1. Ruoko rwaMwari rune rudo ruchapukuta misodzi yedu. Marwadzo norufu zvichange zvisisipo(Zvakazarurwa 21:4).

        2. Bindu reEdheni, kwatichasvika tichidya kubva paMuti weUpenyu (Genesisi 3:22;
          Zvakazarurwa 22:2).

        3. Jesu. Tichamuona usu ne usu (Zvakazarurwa 22:4).

  2. Kutendeka:

    • Kutarisira Tenzi…

      • Mufananidzo wematarenda unobata nematarisiro atinoita zvatakapiwa naMwari, takatarisana neNguva Yokupedzisira (Mateo 25:14-30).

      • Mwari anotipa chete zvatinokwanisa kuita.

      • Wese munhu ane mutoro pazvipo uye zviwanikwa zvaakapihwa, zvisinei kuti zvingani. Mubairo wacho wakakodzera (Mateo 25:23).

    • kusvikira Auya.

      • Pauro akapinda nemumatambudziko mazhinji nekuda kwekutendeka kwake kuna Jesu (2VaKorinte 11: 23-28). Zvimwe hatizofanira kupfuura neizvi, asi hatina kuvimbiswa hupenyu huri nyore(2Timotio 3:12).

      • Zvakadaro, Bhaibheri rinotii nezvokurarama upenyu hunobudirira uye hunofadza(1 Timotio 6:6-12)?

        1. Hazvinei nechekuita nezvekuva nepfuma zhinji

        2. Ndezvekuve nezvaunoda kana uchinge wakuzvida

        3. Ndezvekubatirira kuzvipikirwa zvaMwari

        4. Zviri pamusoro pekutenda Mwari uye kuvimba Naye

      • Apo Jesu anodzoka, tichawana mubairo wedu wakafanira wekutarisira zviri Zvake
        (2 Timotio 4:6-8).

Resource Credit: fustero.es

Zvaturikirwa na: Gift Mawoyo