Managing for the Master Till He Comes

Ndira | February | Kurume 2023

Chidzidzo 11

Kurume 11–Kurume 17

Mabatiro Munguva Dzakaoma

  1. Ndiani achatidzivirira munguva dzakaoma?

    • Mambo Jehoshafati akanga akagadzirira kurwa ( 2Makoronike 17:2, 12-13 ). Zvisinei, aiziva ganhuriro dzake. Akatya, akashaiwa mazano uye akatya mubatanidzwa waive uchimutyisidzira (2Makoronike 20:1-2).

    • Haana kutsvaga rubatsiro kubva kune vamwe vanhu kuti atarisane nedambudziko iri, asi akatendeukira kune Iye chete aigona kumubatsira: Mwari (2Makoronike 20:3-12).

    • Iyi yakanga isiri sarudzo inosundwa nekutya kana kuti kushaya dziviriro. Jehoshafati akanga ajairira kushumira Mwari(2Makoronike 17:3-4; 19:4).

    • Une chiitiko chakadaro chemazuva ese naMwari chinokubatsira kuvimba Naye munguva dzekutambudzika?

  2. Tingavimba naani?

    • Dhavhidha aiziva kuti hapana munhu aigona kumuponesa ( Mapisarema 146:3 ). Akadzidza kubva pane zvakaitika kuna Jonatani kuti Mwari haadi uto rine simba kuti akunde vavengi Vake(1 Samueri 14:6, 13, 23).

    • Zvisinei, akaedzwa naSatani uye aida kuziva kuti aiva nevarwi vangani( 1Makoronike 21:1-2 ). Zvakanga zvisingarambidzwe, asi Dhavhidha airatidza kuti aivimba nesimba rake rehondo kupfuura Mwari.

    • Mwari Ari pamusoro pezvinhu zvose. Tinofanira kuuya kwaAri tisati tatanga kushandisa rubatsiro rwevanhu.

  3. Chii chatichachengeta?

    • Munguva yekutambudzika kwekupedzisira hatizokwanisi kutenga kana kutengesa. Kana tine chimwe chakasara shure kwaizvozvo, chichaparadzwa nomoto(2Petro 3:10-11).

    • Saka tinofanira kurasa zvese zvatinazvo izvozvi here,sezvo tisingazokwanise kuzvichengeta?

    • Kwete, kunze kwekunge Mweya Mutsvene atiudza zvakajeka kuti tidaro. Isu tiri vatariri vezvose zvatakapiwa naMwari kusvikira Jesu adzoka. Tinofanira kuzvibata noungwaru uye nokutendeka.

    • Asi, tinofanira kugara tichiyeuka kuti chero chatinounganidza pano chinopfuura; chinogara kwenguva duku; uye, kana tikasangwarira, chinogona kutishatisa pane zvomweya.

  4. Chii chatichakoshesa?

    • Tichafanira kusarudza mune imwe nguva: kushumira Mwari uye kurasikirwa nezvinhu zvedu, kana kuzvichengeta uye kushumira mumwe munhu asina kukodzera kushumirwa.

    • Sarudzo yedu panguva iyoyo ichaenderana nesarudzo dzatinoita zvino (Mateo 6:24).

    • Muapositora Johani akati, “Musaɗa nyika kunyaŋge neɀinhu ɀiri munyika.” (1 Johani 2:15)

    • Chii chakashata “munyika” chinotibvisa pana Mwari (1 Johani 2:16)?

  5. Tingagadzirira sei nguva dzakaoma?

    • Kana tikasazviisa pasi pemasimba anotonga nyika panguva iyoyo asi tichiramba takatendeka kuna Mwari, tinozorasikirwa nemabasa edu nezvinhu zvedu (Zvakazarurwa 13:14-17). Zvisinei, tinogona kuva nechokwadi chokuti Mwari achatichengeta (2 VaTesaronika 3:3; Mapisarema 34:19).

    • Tingagadzirira sei nguva idzodzo?

    • Kudzidza kuvimba naMwari uye kurarama uchivimba naye zvino. Muedzo wakanaka kutendeka nezvegumi zvedu. Kana tikakundikana muchimwe chinhu chidiki kudaro, tingaramba sei takatendeka mudambudziko riri kuuya (Jeremiya 12:5)?

Resource Credit: fustero.es

Zvaturikirwa na: Gift Mawoyo