Managing for the Master Till He Comes
Ndira | February | Kurume 2023
Chidzidzo 10
Kurume 4-Kurume 10
Kudzorera
Kudzorera zviri zvaMwari.
Pfuma yomumwe mufumi yakawedzera. Akavaka matura makuru uye akagutsikana. Penjeni yake yakange yavimbiswa! Chii chakashata nenyaya iyi (Ruka 12:13-21)?
Zviito zvacho pachazvo zvakanga zvisina kuipa. Sezvakataurwa naJesu, nyaya yaiva yokuti murume uyu aiva nemakaro. Akanga asingadi kugovera zvaakapiwa naMwari kune vamwe(Ruka 12:15).
Chero bedzi tine utano hwakanaka hwomuviri nepfungwa, tinofanira kunge tichiita zvakarurama nechinhu chose icho Mwari akaisa mumaoko edu: simba, matarenda, pfuma…
Zvinhu zvose izvi zvinofanira kudzorerwa kuMuridzi wazvo. Sei?
Kugadzirira ramangwana.
Chii chatinofanira kuita nezvinhu zvatichasiya patinofa? (1 Timotio 6:7).
Zvichiri zvaMwari, zvisinei kuti zvingava zvakawanda zvakadini. Bhaibheri rinotikurudzira kuti tiise utariri hwedu kuvana vedu nehama dzedu ( Zvirevo 13:22; 1Timotio 5:8 ). Kana pasina vadyi venhaka, tinofanira kuzvisiira kuSangano.
Mune dzimwe nyika, nhaka inobva yatongonangiswa kuvana. Kana mitemo yenhaka munyika yako isingawirirane nezvirongwa zvako, unofanira kunyora wiri kuitira kuti nhaka yako isiyirwe kuvanhu vakafanira.
Kufadzwa nemakomborero edu.
Wakagamuchira makomborero kubva kuna Mwari here? Fadzwa nawo! Usaapambadze, ashandise nekuchenjera (Zvirevo 27:23). Ipa Mwari chegumi chako nemipiro (Deutronomio 12:11). Ita zvinodiwa nemhuri yako ( Zvirevo 27:27 ). Usakanganwa nezveavo vanoshaya (Jakobho 1:27).
Zviri kwatiri zvino kuita gadziriro kuitira kuti zvatakakomborerwa nazvo zvigova chikomborero kune vamwe uye kufambisira mberi basa raMwari.
Tinofanirwa kudzorera rinhi?
Kunonoka kudzorera.
Sezvatinokura, tinowanzobatirira kupfuma yedu. Hazvina kumbokwana, kupfuma kwako ndiko kunoita kuti ude kupfumazve pamusoro paizvozvo (Muparidzi 5:10). Uyu musungo waSatani kuti atibvise pana Mwari.
Bhaibheri rinotikurudzira kuti tisamboisa tariro yedu papfuma ( 1 Timotio 6:17 ), asi kuti tigutsikane nezvatiinazvo ( Zvirevo 30:8).
Vamwe vanhu vangasadzorera kuna Mwari zvavanogona zvino nokuti vanotya kuti vangangoshayiwa zvakakwana panguva yokukwegura kwavo. Tiri kunyima vanhu zvikomborero zvavangave nazvo zvino, uye tiri kuzvinyima pachedu chikomborero.
Zvakanakira “zvino.”
Ndezvipi zvakanakira kudzorera kuna Mwari tiri vapenyu?
Mupi anogona kuona mhedzisiro yemupiro wake: chivakwa chitsva chekereke, wechidiki ari kudzidza kuyunivhesiti, kufambiswa kwevhangeri…
Munhu anogamuchira kana kuti ushumiri zvinogona kubetserwa zvino, apo zvinogona kunge zvichida kubatsirwa kwazvo
Zvinopa muenzaniso wakanaka werupo uye wekuda vamwe
Inoderedza mutero wehupfumi(wealth tax) mudzimwe nyika
Kunovimbisa kuti mupiro unoenda kusangano rakakodzera, sezvo pasina matare kana kuti hama dzisina kugutsikana dzinopinzirwa
Zvinoratidza kuti mwoyo wemupi wakatendeuka kubva paudyire kuenda kukufunga vamwe
Tirikuzvivunganidzira pfuma kuDenga